Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira. Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo. Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo. Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?” Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.” Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.
Verenga chikamu Ruka 24
Terera ku Ruka 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 24:28-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo