Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 24:28-35

Ruka 24:28-35 SCLB

Pavakanga vava kuda kusvika pamusha wavaienda, akaita seavakupfuurira. Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo. Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari. Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari. Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?” Vakabva vasimuka nguva yakareyo vakadzokera kuJerusaremu. Vakasvikowana vane gumi nomumwechete vaya vakaungana navamwe vavaiva navo, vakati, “Tenzi wamuka zvechokwadi uye azviratidza kuna Simioni.” Ivowo vakavataurira zvakanga zvaitika panzira uye kuti vakamuziva sei pakumedura chingwa.

Verenga chikamu Ruka 24