Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda; iye akaita sooda kupfuura. Vakamugombedzera, vachiti, “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Ipapo akapinda kundogara navo. Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari. Vakataurirana, vachiti, “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?” Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusaremu, vakawana vane gumi nomumwe navaiva navo vakaungana. Ivo vakati, “Ishe amuka zvirokwazvo; aonekwa naSimoni.” Vakarondedzera zvakaitika munzira, uye kuti akazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
Verenga chikamu Ruka 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 24:28-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo