Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa. Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya. Pazuva rechitatu achamukazve.” Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo. Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika. Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.” Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
Verenga chikamu Ruka 18
Terera ku Ruka 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 18:31-43
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo