Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 18:31-43

Ruka 18:31-43 SCLB

Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa. Nokuti achandoiswa mumaoko evechirudzi, achasveeredzwa achiitirwa zvinonyadzisa nokusvipirwa mate. Vachamurova zvakanyanya vozomuuraya asi achizomuka pazuva retatu.” Pazvinhu izvi hapana chavakanzwisisa. Zvaakataura izvi zvakanga zvakavanzwa kwavari. Havana kubata zvaaireva. Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?” Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.” Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari.

Verenga chikamu Ruka 18