Ruka 18:31-43
Ruka 18:31-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa. Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya. Pazuva rechitatu achamukazve.” Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo. Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha. Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika. Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.” Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.
Ruka 18:31-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akatora vane gumi navaviri, akati kwavari, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita. “Nokuti achaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate, vachamurova, nokumuuraya, asi nezuva retatu achamukazve.” Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, uye havana kunzwisisa izvo zvakarehwa. Zvino akati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira, rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuura, rikabvunza, richiti, “Chinyiko?” Vakariudza, vachiti, “NdiJesu weNazareta anopfuura.” Ipapo rakadanidzira, richiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino Jesu akamira, akarayira kuti vauye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, achiti, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Rikati, “Ishe, kuti ndione.” Jesu akati kwariri, “Chiona, kutenda kwako kwakuponesa.” Pakarepo rikaona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, vakakudza Mwari.
Ruka 18:31-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa. Nokuti achandoiswa mumaoko evechirudzi, achasveeredzwa achiitirwa zvinonyadzisa nokusvipirwa mate. Vachamurova zvakanyanya vozomuuraya asi achizomuka pazuva retatu.” Pazvinhu izvi hapana chavakanzwisisa. Zvaakataura izvi zvakanga zvakavanzwa kwavari. Havana kubata zvaaireva. Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?” Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.” Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari.
Ruka 18:31-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakatora ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mŋanakomana womunhu ucaitirwa ɀose ɀakanyorwa naʋaprofita. Nokuti ucaiswa kuʋahedeni, nokusekwa, nokuitirwa ɀakaipa, nokupfirwa mate, ʋacamuroʋesa, nokumuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamuka ɀe. Asi haʋana‐kunzwisisa cinhu cimŋe caiɀoɀo; shoko iri rakaŋga rakaʋanzika kwaʋari, ʋuye haʋana‐kunzwisisa iɀo ɀakarebga. Ɀino wakati asweɗera Jeriko, rimŋe ɓofu raigara panzira ricikumbira, rakanzwa ʋanhu ʋazhinji ʋacipfuʋura, rikabvunza, riciti: Cinyiko? Ʋakariʋudza, ʋaciti: NdiJesu weNazareta unopfuʋura. Ipapo rakaɗanidzira, riciti: Jesu, Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino ʋakaŋga ʋakatuŋgamira ʋakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kuɗanidzira, riciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino Jesu wakamira, akaraira kuti ʋaʋuye naro kwaari; rikati rasweɗera, akaribvunza, aciti: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndiʋone. Jesu akati kwariri: Ciʋona, kutenda kwako kwakuponesa. Pakarepo rikaʋona, rikamuteʋera, ricirumbidza Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakakudza Mŋari.
Ruka 18:31-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)