Zvino akatora vane gumi navaviri, akati kwavari, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.
“Nokuti achaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate, vachamurova, nokumuuraya, asi nezuva retatu achamukazve.”
Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, uye havana kunzwisisa izvo zvakarehwa.
Zvino akati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira, rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuura, rikabvunza, richiti, “Chinyiko?”
Vakariudza, vachiti, “NdiJesu weNazareta anopfuura.”
Ipapo rakadanidzira, richiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
Zvino Jesu akamira, akarayira kuti vauye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, achiti, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Rikati, “Ishe, kuti ndione.”
Jesu akati kwariri, “Chiona, kutenda kwako kwakuponesa.”
Pakarepo rikaona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, vakakudza Mwari.