Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15:8-10

Ruka 15:8-10 BDSC

“Ndoupiko mukadzi ane mari yamasirivha anokwana gumi uye akarasikirwa neimwe chete angarega kubatidza mwenje, agotsvaira imba uye agotsvakisisa kusvikira aiwana? Uye paanenge aiwana, achadana shamwari dzake navavakidzani agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni, ndawana mari yangu yakanga yarasika.’ Saizvozvo, ndinoti kwamuri, pano mufaro pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anotendeuka.”