Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira. “Pamunopinda mumba, mutange namashoko okuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’ Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu. Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
Verenga chikamu Ruka 10
Terera ku Ruka 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 10:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo