Shure kwaizvozvo Ishe akagadzazve vamwe vana makumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake. Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwayana pakati pamapere. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira. Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve neimba ino.’ Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri. Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake; musapota-pota nedzimba. “Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa. Poresai varwere varimo, muchiti kwavari, ‘Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.’
Verenga chikamu Ruka 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 10:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo