Mushure maizvozvi Tenzi akasarudza vamwe makumi manomwe akavatuma pamberi pake achivaita vaviri vaviri kuguta riri rose nenzvimbo dzose dzaainge iye achazoshanyira. Akavati kukohwa kwakawanda, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mubasa rake rokukohwa. Chiendai. Tarisai, ndiri kukutumai sehwayana mukati memhumhi. Regai kutakura chikwama kana nhava kana shangu. Musakwazise munhu panzira. Imba yose yamanopinda tangai mati, “Rugare ngaruve muimba ino.” Kana munhu wepo ari worugare, rugare rwenyu ruchava paari. Kana asiri worugare, rugare rwenyu ruchadzokera kwamuri. Garai muimba imwecheteyo, muchidya nokunwa zvavanokupai nokuti mushandi anokodzera mubayiro wake. Musatevedze nedzimba. Kana mukapinda muguta ripi zvaro vakakugamuchirai idyai zvavanokuperekerai. Rapai vanorwara mariri, muti kwavari umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi.
Verenga chikamu Ruka 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 10:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo