Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:42-53

Ruka 1:42-53 BDSC

Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!” Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu, nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa, nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.