Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:42-53

Ruka 1:42-53 SCLB

ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu. “Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.” Maria ndokubva atiwo; “Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopembera norufaro Mwari Muponesi wangu. Nokuti akarangarira iniwo zvangu murandanhando wake. Chionai kuti kubvira zvino, zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi; ‘Wakakomborerwa,’ nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera. Anonzwira tsitsi vanomutya, kubvira kuchizvarwa nechizvarwa. Akaita zvina masimba noruoko rwake, akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe, achisimudzira pamusoro vakazvirereka. Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi akavaendesa vasina chavanacho.

Verenga chikamu Ruka 1