Ruka 1:42-53
Ruka 1:42-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!” Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu, nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa, nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.

Ruka 1:42-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” Maria akati, “Mwoyo wangu unokudza Ishe, Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu; Zvaakaona urombo hwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo anamasimba akandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene. Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya. Wakaratidza simba rake noruoko rwake; Akaparadza vaizvikudza mundangariro dzemwoyo yavo; Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvoushe, Akasimudza vakaninipiswa; Vane nzara akavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vapfumi vasina
Ruka 1:42-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu. “Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.” Maria ndokubva atiwo; “Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopembera norufaro Mwari Muponesi wangu. Nokuti akarangarira iniwo zvangu murandanhando wake. Chionai kuti kubvira zvino, zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi; ‘Wakakomborerwa,’ nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera. Anonzwira tsitsi vanomutya, kubvira kuchizvarwa nechizvarwa. Akaita zvina masimba noruoko rwake, akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe, achisimudzira pamusoro vakazvirereka. Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi akavaendesa vasina chavanacho.
Ruka 1:42-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akaɗana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati paʋakadzi, neciɓereko ceɗumbu rako cakaropafadzwa! Ɀaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai ʋaShe waŋgu? Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati riciȿika munzeʋe dzaŋgu, mŋana akakwakuka nomufaro muɗumbu raŋgu. Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti ɀakataurwa naShe kwaari ɀicaitika. Maria akati: Mŋoyo waŋgu unokudza Ishe, Mŋeya waŋgu wakafara naMŋari, Muponesi waŋgu; Ɀaakaʋona ʋurombo bgomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva ɀino marudzi ose acati, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo unamasimba wakandiitira ɀinhu ɀikuru; Zita rake idɀene. Ŋgoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Aʋanhu ʋanomutya. Wakaratidza simba rake noruʋoko rwake; Wakaparadza ʋaiɀikudza mundaŋgariro dzemŋoyo yaʋo; Wakabvisa madzimambo paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe, Akasimudza ʋakaninipiswa; Ʋanenzara wakaʋagutsa neɀakanaka, Akadzosera ʋafumi ʋasina
Ruka 1:42-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)