Ruka 1
1
Shoko rokuʋamba.
1Ʋazhinji ɀaʋakaidza kurondedzera mashoko eɀinhu iɀo ɀakaitika pakati peɗu, 2seɀaʋakatipa iʋo ʋakaɀiʋona nameso aʋo kubva pakutaŋga, naʋaiʋa ʋanyai ʋeshoko, 3neni ʋo, ndakati ndanatso‐feya ɀose kubva pakutaŋga, ndakati ɀakanaka kuti ndikunyorerei ʋo nokuteʋedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira; 4kuti muziʋe kuti mashoko amakadzidziswa ndeeɀokwaɗi.
Zakaria unoziʋiswa kuɓerekwa kwaJohane Mubapatidzi.
5Namazuʋa aHerode, mambo weJudea, mumŋe muprista waiʋa’po, wainzi Zakaria, wegoʋero raAbia; mukadzi wake waiʋa waʋanasikana ʋaAroni, zita rake rainzi Erisabete. 6Ʋakaŋga ʋakarurama ʋose, ʋari ʋaʋiri, pamberi paMŋari, ʋacifamba nemirairo neɀakarurama ɀose ɀaShe, ʋasina‐caʋaŋgapomerwa. 7Ʋakaŋga ʋasinomŋana, nokuti Erisabete wakaŋga asiŋgaɓereki, ʋuye ʋakaŋga ʋacembera ʋose ʋari ʋaʋiri.
8Ɀino, wakati aciɓate‐ɓasa roʋuprista pamberi paMŋari, padzoro regoʋero rake, 9akagoʋerwa netsika dzoʋuprista, kuti apinde mutembere yaShe, kuzopisa ɀinonhuwira. 10Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera kunze neŋguʋa yokupisa ɀinonhuwira. 11Ipapo mutumŋa waShe wakaʋonekwa naye, amire kurudyi rweartari yeɀinonhuwira. 12Zakaria akamanikidzwa acimuʋona; kutya kukamuwira. 13Mutumŋa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwika, mukadzi wako Erisabete ucakuɓerekera mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane. 14Iwe ucaʋa nomufaro nokufarisisa, naʋazhinji ʋacafarira kuɓerekwa kwake. 15Nokuti iye ucaʋa mukuru pamberi paShe; haaŋgatoŋgonwi waini neɀinoɓata; ucazadzwa noMŋeya Mutȿene kubva paɗumbu ramai ʋake. 16Ucadzorera ʋazhinji ʋaʋana ʋaIsraeri kunaShe, Mŋari waʋo. 17Ucafamba pamberi pake noMŋeya nesimba raEria, kuti adzorere mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, naʋasiŋgatereri kuʋucenjeri bgaʋakarurama, agadzirire Ishe ʋanhu ʋakamugadzirirwa kwaɀo. 18Zakaria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ndicaɀiziʋa seiko? Nokuti ini ndaʋa mutana, nomukadzi waŋgu wacembera. 19Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMŋari; ndatumŋa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. 20Tarira, ucanyarara, usiŋgagoni kutaura, kuȿikira zuʋa rinoitwa ɀinhu iɀi, nokuti hauna‐kutenda mashoko aŋgu, acaitika neŋguʋa yawo. 21Ʋanhu ʋakaŋga ʋakamirira Zakaria ʋakashamiswa nokunonoka kwake mutembere. 22Ɀino wakati aciɓuɗa, akasagona kutaura naʋo; ʋakaziʋa kuti wakaŋga aʋona ciratidzo mutembere; iye akaramba acininira namaʋoko, akaramba ari mbeʋeʋe. 23Ɀino mazuʋa okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake.
24Mazuʋa iwayo akati apfuʋura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akaɀiʋanza mŋedzi mishanu, aciti: 25Ndiɀo ɀandakaitirwa naShe namazuʋa aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwaŋgu pakati paʋanhu.
Maria unoz iʋiswa kuti ucaɓereka Jesu.
26Nomŋedzi wecitanhatu mutumŋa Gabrieri wakatumŋa naMŋari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta, 27kumhandara yakaŋga yanyeŋgwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDavidi; zita remhandara rainzi Maria. 28Mutumŋa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe unewe! 29Iye akavunduswa kwaɀo neshoko iro, akafuŋga kuti kukwazisa kwakaɗaro ndokweiko. 30Ipapo mutumŋa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMŋari. 31Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. 32Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. 33Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo. 34Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume? 35Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Mŋeya Mutȿene ucaʋuya pamsoro pako, nesimba roWokumsoro‐soro ricakufukidza; saka ico citȿene cicaɓerekwa cicanzi: Mŋanakomana waMŋari. 36Ʋuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye waʋa nemimba ʋo yomŋanakomana pakucembera kwake; mŋedzi uno waʋa wecitanhatu kunaiye wainzi haaɓereki. 37Nokuti hakuneshoko raMŋari ricashaiwa simba. 38Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe haŋgu seɀamataura. Mutumŋa akabva kwaari.
Maria unondoshanyira Erisabete.
39Namazuʋa iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudea; 40akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete. 41Ɀino Erisabete wakati acinzwa kukwazisa kwaMaria, mŋana akakwakuka muɗumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMŋeya Mutȿene, 42akaɗana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati paʋakadzi, neciɓereko ceɗumbu rako cakaropafadzwa! 43Ɀaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai ʋaShe waŋgu? 44Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati riciȿika munzeʋe dzaŋgu, mŋana akakwakuka nomufaro muɗumbu raŋgu. 45Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti ɀakataurwa naShe kwaari ɀicaitika. 46Maria akati:
Mŋoyo waŋgu unokudza Ishe,
47Mŋeya waŋgu wakafara naMŋari, Muponesi waŋgu;
48Ɀaakaʋona ʋurombo bgomushandiri wake;
Nokuti, tarira, kubva ɀino marudzi ose acati, ndakaropafadzwa;
49Nokuti uyo unamasimba wakandiitira ɀinhu ɀikuru;
Zita rake idɀene.
50Ŋgoni dzake dziri kumarudzi namarudzi
Aʋanhu ʋanomutya.
51Wakaratidza simba rake noruʋoko rwake;
Wakaparadza ʋaiɀikudza mundaŋgariro dzemŋoyo yaʋo;
52Wakabvisa madzimambo paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe,
Akasimudza ʋakaninipiswa;
53Ʋanenzara wakaʋagutsa neɀakanaka,
Akadzosera ʋafumi ʋasina;
54Wakaɓatsira Israeri, muranda wake,
Kuti araŋgarire ŋgoni dzake,
55(Seɀaakareʋa kumadziɓaɓa eɗu),
KunaAbrahama nokurudzi rwake nokusiŋgaperi.
56Maria akagara naye mŋedzi ineŋge semitatu, akadzokera kumusha kwake.
Kuɓerekwa kwaJohane Mubapatidzi.
57Ɀino ŋguʋa yaErisabete yokuɀara kwake yakaȿika; akaɓereka mŋanakomana. 58Ɀino ʋakaʋakirana naʋo nehama dzake ʋakati ʋanzwa kuti Ishe wakaŋga amuitira ŋgoni huru, ʋakafara naye. 59Ɀino nezuʋa rorusere ʋakaʋuya kuzodziŋgisa mŋana, ʋakaɗa kumutumidza zita raɓaɓa ʋake, Zakaria. 60Ipapo mai ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ucatumidzwa Johane. 61Ʋakati kwaari: Hakunomunhu kuhama dzenyu wakatumidzwa zita iro. 62Ʋakabvunza ɓaɓa ʋake, ʋaciɗudzira namaʋoko, kuti anzi aniko. 63Ʋakakumbira ibge rokunyora pariri, ʋakanyora ʋaciti: Johane, ndiro zita rake. Ʋakashamiswa ʋose. 64Kamŋe‐kamŋe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasunuŋguka, akataura, akarumbidza Mŋari. 65Kutya kukawira ʋose ʋakaŋga ʋagere naʋo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudea. 66Ʋose ʋakaanzwa, ʋakaaceŋgeta mumŋoyo maʋo, ʋaciti: Ucazoʋa mŋana wakaɗiniko? Nokuti ruʋoko rwaShe rwakaʋa naye.
67Ƃaɓa ʋake, Zakaria, ʋakazadzwa noMŋeya Mutȿene, ʋakaprofita, ʋaciti:
68Ishe, Mŋari waʋaIsraeri, ŋgaakudzwe;
Nokuti wakamutsa ʋanhu ʋake, nokuʋadzikinura,
69Akatisimudzira runyaŋga rwokuponeswa
Mumba momuranda wake, Davidi;
70(Seɀaakataura nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene, ʋakaŋga ʋari’po kubva pakuʋamba kwenyika),
71Kutiponesa paʋaʋeŋgi ʋeɗu, napamaʋoko aʋose ʋanotiʋeŋga;
72Kunzwira madziɓaɓa eɗu ŋgoni,
Nokuraŋgarira suŋgano yake tȿene;
73Kupika kwaakapika nako kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama,
74Kutipa simba isu, tasunuŋgurwa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu,
Kuti timushumire tisiŋgatyi,
75Noʋutȿene nokururama pamberi pake mazuʋa eɗu ose.
76Iwe, Mŋana, ucanzi muprofita woWokumsoro‐soro,
Nokuti iwe ucatuŋgamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake;
77Kuziʋisa ʋanhu ʋake nzira yokuponeswa nayo,
Ʋacikaŋganwirwa ɀiʋi ɀaʋo,
78Nomŋoyo munyoro waMŋari weɗu,
Ucatishanyira namambakwedza okuɗeŋga,
79Kuvenekera ʋagere murima nomumumvuri worufu;
Nokuraramisa tsoka dzeɗu munzira yorugare.
80Mŋana akakura, akasimba mumŋeya, akagara mumarenje, kuȿikira zuʋa rokuratidzwa kwake kuʋaIsraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Ruka 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018