Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1

1
Shoko rokuvamba
1Vazhinji zvavakaedza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu, 2sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko, 3neniwo, ndakati ndanatsofeya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorereiwo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira; 4kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi.
Zekariya anoziviswa kuberekwa kwaJohani Mubhabhatidzi
5Namazuva aHerodhi, mambo weJudhea, mumwe mupristi aivapo, ainzi Zekariya, wegovero raAbhia; mukadzi wake aiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erizabheti. 6Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaIshe, vasina chavangapomerwa. 7Vakanga vasina mwana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki, uye vakanga vachembera vose vari vaviri.
8Zvino, akati achibata basa roupristi pamberi paMwari, padzoro regovero rake, 9akagoverwa netsika dzoupristi, kuti apinde mutemberi yaIshe, kuzopisa zvinonhuwira. 10Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira.
11Ipapo mutumwa waIshe akaonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira. 12Zekariya akatambudzika achimuona; kutya kukamuwira.
13Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani. 14Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. 15Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake. 16Achadzorera vazhinji vavana vaIsiraeri kuna Ishe, Mwari wavo.
17“Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.”
18Zekariya akati kumutumwa, “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava harahwa, nomukadzi wangu achembera.”
19Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
20“Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.” 21Vanhu vakanga vakamirira Zekariya vakashamiswa nokunonoka kwake mutemberi.
22Zvino akati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti akanga aona chiratidzo mutemberi; iye akaramba achininira namaoko, akaramba ari mbeveve. 23Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake.
24Mazuva iwayo akati apfuura, Erizabheti mukadzi wake akava napamuviri, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti,
25“Ndizvo zvandakaitirwa naIshe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.”
Maria anoziviswa kuti achabereka Jesu
26Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhurieri akatumwa naMwari kuguta reGariria, rinonzi Nazareta, 27kumhandara yakanga yakaroorwa nomurume, ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara rainzi Maria. 28Mutumwa akapinda kwaari, akati, “Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe anewe!” 29Iye akavhunduswa kwazvo neshoko iro, akafunga kuti kukwazisa kwakadaro ndokweiko. 30Ipapo mutumwa akati kwaari, “Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. 31Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. 32Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. 33Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.” 34Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” 35Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari. 36Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki.
37“Nokuti hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.” 38Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari.
Maria anondoshanyira Erizabheti
39Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; 40akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. 41Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, 42akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! 43Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? 44Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. 45Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” 46Maria akati,
“Mwoyo wangu unokudza Ishe,
47Mweya wangu wakafara naMwari,
Muponesi wangu;
48Zvaakaona urombo hwomushandiri wake;
Nokuti, tarira, kubva zvino
marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa;
49Nokuti uyo anamasimba
akandiitira zvinhu zvikuru;
Zita rake idzvene.
50Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi
Avanhu vanomutya.
51Wakaratidza simba rake noruoko rwake;
Akaparadza vaizvikudza mundangariro
dzemwoyo yavo;
52Wakabvisa madzimambo
pazvigaro zvavo zvoushe,
Akasimudza vakaninipiswa;
53Vane nzara akavagutsa nezvakanaka,
Akadzosera vapfumi vasina;
54Akabatsira Isiraeri, muranda wake,
Kuti arangarire ngoni dzake,
55Sezvaakareva kumadzibaba edu,
Kuna Abhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.”
56Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake.
Kuberekwa kwaJohani Mubhabhatidzi
57Zvino nguva yaErizabheti yokusunguka kwake yakasvika; akabereka mwanakomana. 58Zvino vakavakidzana navo nehama dzavo vakati vanzwa kuti Ishe akanga amuitira ngoni huru, vakafara naye. 59Zvino nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zekariya.
60Ipapo mai vakapindura, vakati, “Kwete, achatumidzwa Johani.” 61Vakati kwaari, “Hakuna munhu kuhama dzenyu akatumidzwa zita iro.” 62Vakabvunza baba vake, vachidudzira namaoko, kuti anzi aniko? 63Vakakumbira chinyorero vakanyora kuti, “Johani, ndiro zita rake.” Vakashamiswa vose. 64Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari.
65Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea. 66Vose vakaanzwa, vakaachengeta mumwoyo mavo, vachiti, “Achazova mwana wakadiniko?” Nokuti ruoko rwaIshe rwakava naye.
67Baba vake, Zekariya, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti,
68“Ishe, Mwari wavaIsiraeri, ngaakudzwe;
Nokuti aakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura,
69Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa
Mumba momuranda wake, Dhavhidhi;
70Sezvaakataura nomuromo wavaporofita
vake vatsvene, vakanga varipo kubva
pakuvamba kwenyika,
71Kutiponesa pavavengi vedu,
napamaoko avose vanotivenga;
72Kunzwira madzibaba edu ngoni,
Nokurangarira sungano yake tsvene;
73Kupika kwaakapika nako
kuna baba vedu Abhurahamu,
74Kutipa simba isu, tasunungurwa
mumaoko avavengi vedu,
Kuti timushumire tisingatyi,
75Nohutsvene nokururama pamberi
pake mazuva edu ose.
76Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro,
Nokuti iwe uchatungamira pamberi paIshe,
kumugadzirira nzira dzake;
77Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo,
Vachiregererwa zvivi zvavo,
78Nomwoyo munyoro waMwari wedu,
Achatishanyira namambakwedza okudenga,
79Kuvhenekera vagere murima
nomumumvuri worufu;
Nokuraramisa tsoka dzedu munzira yorugare.”
80Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Ruka 1: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

Vhidhiyo re Ruka 1