Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti: “Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura? Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba. Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta. Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka. Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here? “Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama? Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.
Verenga chikamu Jobho 4
Terera ku Jobho 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobho 4:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo