Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobhu 4:1-8

Jobhu 4:1-8 SCLB

Erifasi muTemani akapindura achiti, “Kuri kuti munhu ataura nemi mungashatirwe nazvo here, asi ndiani angarege kutaura? Inga makadzidzisa vazhinji mukasimbisa maoko asina simba. Mashoko enyu akatsigira ainge odzadzarika mukasimbisa mabvi akarukutika. Asi nhasi zvakuwanaiwo, zvino motadza kugadzikana. Asi zvino zvakubatai mabva mava kurasa mwoyo. Handiti kutya kwenyu Mwari ndiko kwamunovimba nako, kuva pachokwadi mumaitiro enyu kuri iko chitarisiro chenyu? “Chimbozvifungaiwo zvenyu kuti ndiani aiva mururami akaparara uyewo ndokupi mururami kwaakaparadzwa? Zvandakaona zvangu ndezvokuti vanorima huipi nokudyara nhamo vachakohwawo zvimwechetezvo

Verenga chikamu Jobhu 4