Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati, “Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe uchava neshungu here? Asi ndiani angazvidzora, akasataura hake? Tarira, iwe wakadzidzisa vazhinji, Iwe wakasimbisa maoko akashaiwa simba. Mashoko ako akatsigira akanga achivavarira kuwa, Iwe wakasimbisa mabvi akanga achigweda-gweda. Asi zvino zvasvika kwauri, iwe woshaiwa simba; Zvakubata, zvino wotambudzika. Ko kutya kwako Mwari harizi simba rako here? Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here? Rangarira hako, ndianiko asine mhaka akatongoparara? Kana vakarurama vakatongoparadzwa papi? Sezvandakaona ini, vanhu, vanorimira zvakaipa, Navanodyara zvakashata, ndivo vanokohwawo izvozvo.
Verenga chikamu Jobho 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobho 4:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo