Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona. Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.” Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?” Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
Verenga chikamu Johani 9
Terera ku Johani 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 9:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo