Johani 9:1-11
Johani 9:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona. Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.” Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?” Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
Johani 9:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati achipfuura, akaona munhu akanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake. Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti, “Rabhi, ndianiko akatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?” Jesu akapindura, akati, “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. Ndinofanira kubata basa rowakandituma, achiri masikati; usiku hunouya, husingagoni munhu kubata basa nahwo. Ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake, akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona. Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?” Vamwe vakati, “Ndiye;” vamwe vakati, “Kwete, asi akatodzana naye.” Iye akati, “Ndini.” Zvino vakati kwaari, “Meso ako akagosvinudzwa seiko?” Akapindura, akati, “Munhu anonzi Jesu akakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri, enda Siroami, undoshamba; naizvozvo ndakaenda, ndikashamba, ndikaona.”
Johani 9:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanga achipfuura zvake akaona munhu akaberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, “Nhai Mudzidzisi ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake zvakaita kuti aberekwe ari bofu?” Jesu akapindura achiti, “Haasi munhu uyu akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitirwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. “Tinofanira kuita mabasa euyo akandituma kuchakachena. Usiku huri kuuya hwokuti hapana anozokwanisa kushanda. Kana ndichiri pasi pano ndini chiedza chapasi.” Paakataura izvi akasvipira pasi, akakanya tudhaka ndokutwuisa pamaziso omunhu uya akamuti, “Chienda undoshamba mudziva reSiroamu” (zvinoreva kutumwa.) Ipapo akaenda akashamba akauya avakuona. Vavakidzani naye navamwe vaimbomuona achipemha vakati, “Uyu haasiri munhu uya here aigara pasi achipemha?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwewo vakati, “Kwete akangofanana naye.” Asi iye akati, “Ndini.” Vakati kwaari, “Ko maziso ako akazarurwa sei?” Iye akapindura achiti, “Munhu anonzi Jesu akanya tudhaka akazora maziso angu akanditi, ‘Enda kudziva reSiroamu ushambe.’ Saizvozvowo ndaenda ndikashamba ndikabva ndavakuona.”
Johani 9:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati acipfuʋura, akaʋona munhu wakaŋga ari ɓofu kubva pakuɓerekwa kwake. Ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, ʋaciti: Rabi, ndianiko wakatadza, uyu kana ʋaɓereki ʋake, ɀaakaɓerekwa riri ɓofu? Jesu akapindura, akati: Uyu haana‐kutadza, kunyaŋge naʋaɓereki ʋake; asi iɀi ɀakaitwa kuti maɓasa aMŋari aʋoneswe maari. Tinofanira kuɓate‐ɓasa rowakandituma, aciri masikati; ʋusiku bgunoʋuya, bgusiŋgagoni munhu kuɓate‐ɓasa nabgo. Ndiciri panyika, ndiri ciedza cenyika. Wakati areʋa iɀoɀo, akapfira mate pasi, akakanya ɗope namate, akazodza ɗope rawo pameso ake, akati kwaari: Enda undoshamba mudziʋa reSiroami, (ndokuti, kana ɀicishandurwa, Kutumŋa). Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka aciʋona. Ʋakaŋga ʋagere naye, naʋaimuʋona kare, kuti ndiye waikumbira, ʋakati: Ko uyu haazi iye waigara acikumbira here? Ʋamŋe ʋakati: Ndiye; ʋamŋe ʋakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini. Ɀino ʋakati kwaari: Meso ako akagoȿinudzwa seiko? Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya ɗope, akazodza meso aŋgu, akati kwandiri: Enda Siroami, undoshamba; naiɀoɀo ndakaenda, ndikashamba, ndikaʋona.
Johani 9:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)