Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 9:1-11

Johani 9:1-11 SCLB

Jesu paakanga achipfuura zvake akaona munhu akaberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, “Nhai Mudzidzisi ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake zvakaita kuti aberekwe ari bofu?” Jesu akapindura achiti, “Haasi munhu uyu akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitirwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. “Tinofanira kuita mabasa euyo akandituma kuchakachena. Usiku huri kuuya hwokuti hapana anozokwanisa kushanda. Kana ndichiri pasi pano ndini chiedza chapasi.” Paakataura izvi akasvipira pasi, akakanya tudhaka ndokutwuisa pamaziso omunhu uya akamuti, “Chienda undoshamba mudziva reSiroamu” (zvinoreva kutumwa.) Ipapo akaenda akashamba akauya avakuona. Vavakidzani naye navamwe vaimbomuona achipemha vakati, “Uyu haasiri munhu uya here aigara pasi achipemha?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwewo vakati, “Kwete akangofanana naye.” Asi iye akati, “Ndini.” Vakati kwaari, “Ko maziso ako akazarurwa sei?” Iye akapindura achiti, “Munhu anonzi Jesu akanya tudhaka akazora maziso angu akanditi, ‘Enda kudziva reSiroamu ushambe.’ Saizvozvowo ndaenda ndikashamba ndikabva ndavakuona.”

Verenga chikamu Johani 9