Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”
Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”
Iye akati, “Handizi iye.”
“Uri muprofita here?”
Akapindura akati, “Kwete.”
Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”
Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ”
Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?”
Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi. Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”
Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.”
Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake. Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’ Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”
Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”
Ivo vakati, “ ‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?”
Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”
Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu. Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu). Uye akauya naye kuna Jesu.
Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).