Uku ndiko kupupura kwaJohani, musi vaJudha vakatumira kwaari vapristi navaRevhi, vachibva Jerusaremu, kundomubvunza, kuti, “Iwe ndiwe aniko?”
Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti, “Handisi Kristu.”
Vakamubvunza, vachiti, “Asi kudiniko? Ndiwe Eria here?” Akati, “Handisi iye.” “Ko uri uya muporofita here?” Akapindura, akati, “Kwete.” Zvino vakati kwaari, “Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?” Akati, “Ndini izwi roanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaIshe; sezvakarehwa nomuporofita Isaya.’ ”
Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi. Vakamubvunza, vakati kwaari, “Kana usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?”
Johani akapindura, akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi; ndiye anouya shure kwangu, wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.”
Izvozvi zvakaitwa paBhetania, mhiri kwaJorodhani, kwaibhabhatidza Johani.
Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.”
Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’
“Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”
Ava mangwanazve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisisa Jesu achifamba, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari!” Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko? Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi. Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johani, vakamutevera, waiva Andireya, munun'una waSimoni Petirosi. Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari, “Tawana Mesiasi” (ndokuti, “Kristu, kana zvichishandurwa.”) Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.”