Johani 1:19-42
Johani 1:19-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.” Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?” Iye akati, “Handizi iye.” “Uri muprofita here?” Akapindura akati, “Kwete.” Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?” Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ” Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria kana Muprofita?” Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi. Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.” Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani. Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika! Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’ Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.” Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake. Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’ Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri. Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!” Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “ ‘Rabhi’ (ndiko kuti Mudzidzisi), munogarepiko?” Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi. Andirea mununʼuna waPetro, ndiye mumwe wavaviri vakanga vanzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye vakanga vatevera Jesu. Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu). Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).
Johani 1:19-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uku ndiko kupupura kwaJohani, musi vaJudha vakatumira kwaari vapristi navaRevhi, vachibva Jerusaremu, kundomubvunza, kuti, “Iwe ndiwe aniko?” Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, achiti, “Handisi Kristu.” Vakamubvunza, vachiti, “Asi kudiniko? Ndiwe Eria here?” Akati, “Handisi iye.” “Ko uri uya muporofita here?” Akapindura, akati, “Kwete.” Zvino vakati kwaari, “Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko?” Akati, “Ndini izwi roanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaIshe; sezvakarehwa nomuporofita Isaya.’ ” Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi. Vakamubvunza, vakati kwaari, “Kana usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhabhatidzireiko?” Johani akapindura, akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi; ndiye anouya shure kwangu, wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.” Izvozvi zvakaitwa paBhetania, mhiri kwaJorodhani, kwaibhabhatidza Johani. Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika. Ndiye wandaireva, ndichiti, ‘Shure kwangu kunouya mumwe, akavapo mberi kwangu, nokuti akanditangira.’ Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsiraeri.” Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’ “Ini ndikaona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” Ava mangwanazve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisisa Jesu achifamba, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari!” Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko? Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi. Mumwe waivavo vaviri, vakanga vanzwa Johani, vakamutevera, waiva Andireya, munun'una waSimoni Petirosi. Iye akatanga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari, “Tawana Mesiasi” (ndokuti, “Kristu, kana zvichishandurwa.”) Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.”
Johani 1:19-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uhu ndihwo uchapupu hwaJohani, vaJudha pavakatuma vapristi navaRevhi kwaari vachibva kuJerusaremu kundomubvunza kuti: “Ndiwe ani?” Akataura pachena; haana kuvanza; akataura pachena achiti, “Ini handisini Kristu.” Vakamubvunza vachiti, “Ko zvino, ndiwe Eriya here?” “Handisini iye. Ndiwe muporofita uya airehwa here?” Iye akati, “Handisini.” Zvino vakati kwaari, “Ko ndiwe ani tinoda mhinduro kwauri yokupa vatituma; unozviti ani iwe?” Akati: “Ndini izwi rouya anodanidzira murenje richiti, ‘Ruramisai nzira yaTenzi sokutaura kwomuporofita Isaya.’ ” Zvino vakanga vatumwa vaya vaibva kuvaFarisei, vakamubvunza kuti, “Ko zvino uri kuombekerei kana usiriwe Kristu kana Eriya kana muporofita uya?” Johani akavapindura kuti, “Ndinoombeka nemvura asi pakati penyu pane mumwe wamusingazivi. Iyeyo anouya mushure mangu, ini handikodzeri kusunungura tambo dzeshangu dzake.” Izvi zvakaitika kuBhetania iri kumhiri kwaJorodhani kwaiombeka Johani. Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi. Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti, ‘Mushure mangu muchauya munhu mukuru kupinda ini nokuti akanga aripo ini ndisati ndavapo.’ Ini handina kunge ndichimuziva; asi ndizvo zvandakavinga ndichiombeka nemvura, kuti aziviswe kuIsraeri.” Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari. Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’ Ini ndakazviona uye ndinopupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.” Ramangwana rachozve Johani akanga amire navadzidzi vake vaviri; akatarisa Jesu achifamba akati, “Tarisai muone Hwayana yaMwari.” Vadzidzi vaviri vaya vakamunzwa achitaura izvi vakabva vatevera Jesu. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavati, “Muri kutsvakeiko?” Ivo vakati kwaari, “Rabhi,” (zvinoreva kuti mudzidzisi) “Munogara kupiko?” Iye akati kwavari, “Uyai muzoona.” Vakauya vakaona paaigara vakagara naye zuva iroro, izvozvo yakanga iri awa yechigumi. Andireya munun'una waSimoni Pita ndiye mumwe wavadzidzi vaviri vaya vakanzwa Johani achitaura vakamutevera. Akatanga kuwana Simoni akamuti, “Tawana Mesia zvinoreva kuti Kristu.” Akauya naye kuna Jesu. Jesu akamutarisa akati, “Iwe unonzi Simoni Mwanakomana waJohani zvino uchanzi Kefasi,” (zvinoreva kuti Pita).
Johani 1:19-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi ʋaJuda ʋakatumira kwaari ʋaprista naʋaRevi, ʋacibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko? Akatenda pacena, haana‐kuramba, akatenda pacena, aciti: Handizi Kristu. Ʋakamubvunza, ʋaciti: Asi kuɗiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muprofita here? Akapindura, akati: Kwete. Ɀino ʋakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura ʋakatituma. Unoɀiti aniko? Akati: Ndini inzwi rounoɗana murenje, riciti: Ruramisai nzira yaShe; seɀakarebga nomuprofita Isaya. Aʋa ʋakaŋga ʋatumŋa ʋaiʋa ʋaʋaFarise. Ʋakamubvunza, ʋakati kwaari: Kana usi Kristu, kana Eria, kana muprofita uya, unogobapatidzireiko? Johane akapindura, akati: Ini ndinobapatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumŋe wamusiŋgaziʋi; ndiye unoʋuya shure kwaŋgu, wandisina‐kufanira kuti ndisunuŋgure rukanda rweshaŋgu yake. Iɀoɀi ɀakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridani, kwaibapatidza Johane. Aʋa maŋgwana wakaʋona Jesu aciʋuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari, rinobvisa ɀiʋi ɀenyika. Ndiye wandaireʋa, ndiciti: Shure kwaŋgu kunoʋuya murume, wakaʋa’po mberi kwaŋgu, nokuti wakanditaŋgira. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi ndiɀo ɀandakaʋuyira, ndicibapatidza nemvura, kuti aʋoneswe kuʋaIsraeri. Johane akapupura, akati: Ndakaʋona Mŋeya aciɓuruka kuɗeŋga senjiʋa, akagara pamsoro pake. Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoʋona Mŋeya aciɓuruka pamsoro pake, akagara pamsoro pake, ndiye unobapatidza noMŋeya Mutȿene. Ini ndikaʋona, ndikapupura kuti uyu ndiye Mŋanakomana waMŋari. Aʋa maŋgwana ɀe Johane wakaŋga amire naʋadzidzi ʋake ʋaʋiri; akatarisisa Jesu acifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari! Iʋaʋo ʋadzidzi ʋaʋiri, ʋakamunzwa acitaura, ʋakateʋera Jesu. Jesu akatendeʋuka akaʋaʋona ʋaciteʋera, akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rabi (ndokuti Mudzidzisi, kana ɀicishandurwa), munogarepiko? Akati kwaʋari: Ʋuyai, muʋone. Ʋakaenda, ʋakandoʋona kwaaigara, ʋakagara naye zuʋa iro; yakaŋga iri ŋguʋa ineŋge yegumi. Mumŋe waiʋaʋo ʋaʋiri, ʋakaŋga ʋanzwa Johane, ʋakamuteʋera, waiʋa Andreasi, munuŋuna waSimoni Petro. Iye akataŋga kuwana Simoni, mukoma wake, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana ɀicishandurwa). Akamuisa kunaJesu. Jesu akamutarira, akati: Ndiwe Simoni, mŋanakomana waJona, ucanzi Kefasi (ɀinoshandurwa, ɗombo).
Johani 1:19-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)