Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:28-40

Vatongi 6:28-40 BDSC

Vanhu vomuguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona heyo aritari yaBhaari yakaputswa, nedanda raAshera parutivi rwayo rakatemwa, uye hando yechipiri yakabayirwa paaritari itsva yakanga yavakwa! Vakabvunzana vakati, “Ndianiko aita izvi?” Vakati vanyatsoferefeta, vakaudzwa kuti, “Gidheoni mwanakomana waJoashi ndiye aita izvi.” Vanhu vomuguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako. Anofanira kufa, nokuti akaputsa aritari dzaBhaari uye akatema danda raAshera parutivi payo.” Asi Joashi akapindura ungano yakanga ine hasha kwazvo yakamukomberedza akati, “Ko, imi munoda kurwira Bhaari here? Muri kuda kuedza kumuponesa here? Ani naani achamurwira achaurayiwa mangwanani ano! Kana Bhaari ari mwari chaiye, anogona kuzvidzivirira kana mumwe munhu achiputsa aritari yake.” Saka pazuva iroro vakatumidza Gidheoni zita rokuti, “Jerubhi-Bhaari,” vachiti, “Bhaari ngaarwe naye, nokuti akaputsa aritari yaBhaari.” Zvino vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri. Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere. Akatuma nhume munyika yose yaManase, achivakoka kuhondo, uyewo muAsheri, Zebhuruni neNafutari, kuti naivowo vakwidze kundosangana navo. Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchizoponesa Israeri noruoko rwangu sezvamakavimbisa, tarirai, ndichaisa chisumbu chewuru paburiro. Kana dova rikava pachisumbu chewuru chete uye pasi pose pakaoma, ipapo ndichaziva kuti muchaponesa Israeri noruoko rwangu, sezvamakareva.” Uye izvi ndizvo zvakaitika. Gidheoni akamuka mangwanani ezuva rakatevera; akasvina chisumbu chewuru akabudisa dova, akazadza mbiya nemvura. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nechisumbu chewuru. Panguva ino itai kuti chisumbu chewuru chiome asi pasi pose pafukidzwe nedova.” Usiku ihwohwo Mwari akaita izvozvo. Wuru yakanga yakaoma; pasi pose pakanga pakafukidzwa nedova.