Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:28-40

Vatongi 6:28-40 SNA2002

Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona atari yaBhaari yaputswa, nedanda rokunamata naro raivapo ratemwa, nenzombe yechipiri yabayirwa paatari yakanga yavakwapo. Vakataurirana, vakati, “Ndianiko wakaita chinhu ichi?” Vakati vachinzvera nokubvunzisisa, zvikanzi, “Gidheoni mwanakomana waJoashi, ndiye wakaita chinhu ichi.” Zvino varume veguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako, afe, nokuti waputsa atari yaBhaari, uye watema danda rokunamata naro raivapo pairi.” Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, “Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.” Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubhaari, achiti, “Bhaari ngaarwe naye, zvaakaputsa atari yake.” Zvino vaMidhiani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezereeri. Asi Mweya waJehovha wakasvika pamusoro paGidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaungana vakamutevera. Akatuma nhume pakati pavaManase vose, naivo vakaungana vakamutevera; akatumawo nhume kuna Asheri, naZebhuruni, naNafutari, naivo vakakwira kuzosangana navo. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchida kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura, tarirai, ndichaisa debwe rine mvere paburiro; kana kukava nedova padebwe bedzi, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura.” Zvikava saizvozvo; nokuti wakamuka mangwanani, akambundanidza debwe, akasvina mvura padebwe, ikazadza mbiya. Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, “Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.” Mwari akaita saizvozvo usiku uhwo; nokuti padebwe bedzi pakanga pakaoma, asi dova rakanga riri pasi pose.

Verenga chikamu Vatongi 6