Vatongi 6:28-40
Vatongi 6:28-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona atari yaBhaari yaputswa, nedanda rokunamata naro raivapo ratemwa, nenzombe yechipiri yabayirwa paatari yakanga yavakwapo. Vakataurirana, vakati, “Ndianiko wakaita chinhu ichi?” Vakati vachinzvera nokubvunzisisa, zvikanzi, “Gidheoni mwanakomana waJoashi, ndiye wakaita chinhu ichi.” Zvino varume veguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako, afe, nokuti waputsa atari yaBhaari, uye watema danda rokunamata naro raivapo pairi.” Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, “Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu.” Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubhaari, achiti, “Bhaari ngaarwe naye, zvaakaputsa atari yake.” Zvino vaMidhiani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezereeri. Asi Mweya waJehovha wakasvika pamusoro paGidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaungana vakamutevera. Akatuma nhume pakati pavaManase vose, naivo vakaungana vakamutevera; akatumawo nhume kuna Asheri, naZebhuruni, naNafutari, naivo vakakwira kuzosangana navo. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchida kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura, tarirai, ndichaisa debwe rine mvere paburiro; kana kukava nedova padebwe bedzi, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura.” Zvikava saizvozvo; nokuti wakamuka mangwanani, akambundanidza debwe, akasvina mvura padebwe, ikazadza mbiya. Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, “Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.” Mwari akaita saizvozvo usiku uhwo; nokuti padebwe bedzi pakanga pakaoma, asi dova rakanga riri pasi pose.
Vatongi 6:28-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Varume vemuguta vakamuka, mangwanani wanei atari yaBhaari yapwanyiwa, chitanda chinomiririra Ashera chatemwa-temwa, handira yechipiri yapirwa paatari itsva yakanga yavakwapo. Vakabvunza vachiti, “Chaizvoizvo ndiani aita izvi?” Vakabvunzisisa vachitsvagurudza vakazoti, “NdiGidheoni mwanakomana waJoashi akaita izvi.” Varume vemuguta imomo vakati kuna Joashi, “Uya nomwanakomana wako timuuraye nokuti ndiye akapwanya atari yaBhaari, akatema-tema Ashera aiva pedyo nayo.” Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.” Naizvozvo musi iwoyo Gidheoni akatumidzwa zita rokuti Jerubhaari zvinoreva kuti, “Regai Bhaari arwisane naye” nokuti akapwanya atari yake. VaMidhiani vose nevaAmareki navanhu vokumabvazuva vakaunganidzana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matendhe avo mubani reJezireeri. Mweya waTenzi wakazadza Gidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaunganidzana vomutevera. Akatumira nhume munyika yose yokwaManase, ivowo vakaunganidzana vakamutevera. Akatumirawo nhume kune vedzinza rokwaAsheri neraZebhuruni neraNafutari vakakwira kuzosangana navo. Gidheoni akataura naMwari achiti, “Kana imi muchida kundishandisa kununura vaIsiraeri sokutaura kwamakaita, zvino ndavakuisa mhombwa yewuru paburiro apa, kana dova rikava pawuru chete, pamwe pose, pasi pachingova pakaoma ndopandichaziva kuti muri kuda kundishandisa kununura vaIsiraeri, sezvamakareva.” Zvakabva zvaita saizvozvo. Mangwana acho akamuka rungwanangwana, akasvina dova muwuru iya rikazadza ndiro yemvura. Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.” Mwari akabva aita saizvozvo usiku ihwohwo. Pawuru chete ndopakanga pakaoma, asi pamwe pose, pasi paine dova.
Vatongi 6:28-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vomuguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona heyo aritari yaBhaari yakaputswa, nedanda raAshera parutivi rwayo rakatemwa, uye hando yechipiri yakabayirwa paaritari itsva yakanga yavakwa! Vakabvunzana vakati, “Ndianiko aita izvi?” Vakati vanyatsoferefeta, vakaudzwa kuti, “Gidheoni mwanakomana waJoashi ndiye aita izvi.” Vanhu vomuguta vakati kuna Joashi, “Budisa mwanakomana wako. Anofanira kufa, nokuti akaputsa aritari dzaBhaari uye akatema danda raAshera parutivi payo.” Asi Joashi akapindura ungano yakanga ine hasha kwazvo yakamukomberedza akati, “Ko, imi munoda kurwira Bhaari here? Muri kuda kuedza kumuponesa here? Ani naani achamurwira achaurayiwa mangwanani ano! Kana Bhaari ari mwari chaiye, anogona kuzvidzivirira kana mumwe munhu achiputsa aritari yake.” Saka pazuva iroro vakatumidza Gidheoni zita rokuti, “Jerubhi-Bhaari,” vachiti, “Bhaari ngaarwe naye, nokuti akaputsa aritari yaBhaari.” Zvino vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri. Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere. Akatuma nhume munyika yose yaManase, achivakoka kuhondo, uyewo muAsheri, Zebhuruni neNafutari, kuti naivowo vakwidze kundosangana navo. Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchizoponesa Israeri noruoko rwangu sezvamakavimbisa, tarirai, ndichaisa chisumbu chewuru paburiro. Kana dova rikava pachisumbu chewuru chete uye pasi pose pakaoma, ipapo ndichaziva kuti muchaponesa Israeri noruoko rwangu, sezvamakareva.” Uye izvi ndizvo zvakaitika. Gidheoni akamuka mangwanani ezuva rakatevera; akasvina chisumbu chewuru akabudisa dova, akazadza mbiya nemvura. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nechisumbu chewuru. Panguva ino itai kuti chisumbu chewuru chiome asi pasi pose pafukidzwe nedova.” Usiku ihwohwo Mwari akaita izvozvo. Wuru yakanga yakaoma; pasi pose pakanga pakafukidzwa nedova.
Vatongi 6:28-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Varume vemuguta vakamuka, mangwanani wanei atari yaBhaari yapwanyiwa, chitanda chinomiririra Ashera chatemwa-temwa, handira yechipiri yapirwa paatari itsva yakanga yavakwapo. Vakabvunza vachiti, “Chaizvoizvo ndiani aita izvi?” Vakabvunzisisa vachitsvagurudza vakazoti, “NdiGidheoni mwanakomana waJoashi akaita izvi.” Varume vemuguta imomo vakati kuna Joashi, “Uya nomwanakomana wako timuuraye nokuti ndiye akapwanya atari yaBhaari, akatema-tema Ashera aiva pedyo nayo.” Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.” Naizvozvo musi iwoyo Gidheoni akatumidzwa zita rokuti Jerubhaari zvinoreva kuti, “Regai Bhaari arwisane naye” nokuti akapwanya atari yake. VaMidhiani vose nevaAmareki navanhu vokumabvazuva vakaunganidzana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matendhe avo mubani reJezireeri. Mweya waTenzi wakazadza Gidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaunganidzana vomutevera. Akatumira nhume munyika yose yokwaManase, ivowo vakaunganidzana vakamutevera. Akatumirawo nhume kune vedzinza rokwaAsheri neraZebhuruni neraNafutari vakakwira kuzosangana navo. Gidheoni akataura naMwari achiti, “Kana imi muchida kundishandisa kununura vaIsiraeri sokutaura kwamakaita, zvino ndavakuisa mhombwa yewuru paburiro apa, kana dova rikava pawuru chete, pamwe pose, pasi pachingova pakaoma ndopandichaziva kuti muri kuda kundishandisa kununura vaIsiraeri, sezvamakareva.” Zvakabva zvaita saizvozvo. Mangwana acho akamuka rungwanangwana, akasvina dova muwuru iya rikazadza ndiro yemvura. Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.” Mwari akabva aita saizvozvo usiku ihwohwo. Pawuru chete ndopakanga pakaoma, asi pamwe pose, pasi paine dova.
Vatongi 6:28-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakaʋona artari yaBaari yaputswa, neɗanda rokunamata naro raiʋa’po ratemŋa, nenzombe yecipiri yaɓayirwa paartari yakaŋga yaʋakwa’po. Ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko wakaita cinhu ici? Ʋakati ʋacinɀera nokubvunzisisa, ɀikanzi: Gideoni mŋanakomana waJoashi, ndiye wakaita cinhu ici. Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaJoashi: Ƃuɗisa mŋanakomana wako, afe, nokuti waputsa artari yaBaari, ʋuye watema ɗanda rokunamata naro raiʋa’po pairi. Asi Joashi wakati kunaʋose ʋakaŋga ʋacimupopotera: Moɗa kurwira Baari kanhi? Moɗa kumuponesa? Unomurwira ucaʋurawa maŋgwanani ano; kana ari mŋari, ŋgaaɀirwire amene, ɀaakaputsirwa artari yake nomunhu. Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubaari, aciti: Baari ŋgaarwe naye, ɀaakaputsa artari yake. Ɀino ʋaMidiani ʋose naʋaAmareki naʋana ʋamabvazuʋa ʋakaʋuŋgana, ʋakayambuka, ʋakadzika matente aʋo pamupata weJezreeri. Asi Mŋeya waJehova wakaȿika pamsoro paGideoni, akaridza hwamanda, ʋaAbiezeri ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera. Akatuma nhume pakati paʋaManase ʋose, naiʋo ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera; akatuma ʋo nhume kunaAsheri, naZeburuni, naNaftari, naiʋo ʋakakwira kuzosoŋgana naʋo. Ipapo Gideoni akati kunaMŋari: Kana muciɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura, tarirai, ndicaisa ɗebge rinemvere paɓuriro; kana kukaʋa neɗoʋa paɗebge ɓedzi, pasi pose pakawoma, ndicaziʋa kuti munoɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura. Ɀikaʋa saiɀoɀo; nokuti wakamuka maŋgwanani, akambundanidza ɗebge, akaȿina mvura paɗebge, ikazadza mbiya. Ɀino Gideoni akati kunaMŋari: Regai henyu kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; nditenderei ndiidze ɀe kamŋe cete neɗebge; ɀino paɗebge ɓedzi paʋe pakawoma, asi pasi pose paʋe neɗoʋa. Mŋari akaita saiɀoɀo ʋusiku ubgo; nokuti paɗebge ɓedzi pakaŋga pakawoma, asi ɗoʋa rakaŋga riri pasi pose.