Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:28-40

Vatongi 6:28-40 SCLBD

Varume vemuguta vakamuka, mangwanani wanei atari yaBhaari yapwanyiwa, chitanda chinomiririra Ashera chatemwa-temwa, handira yechipiri yapirwa paatari itsva yakanga yavakwapo. Vakabvunza vachiti, “Chaizvoizvo ndiani aita izvi?” Vakabvunzisisa vachitsvagurudza vakazoti, “NdiGidheoni mwanakomana waJoashi akaita izvi.” Varume vemuguta imomo vakati kuna Joashi, “Uya nomwanakomana wako timuuraye nokuti ndiye akapwanya atari yaBhaari, akatema-tema Ashera aiva pedyo nayo.” Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.” Naizvozvo musi iwoyo Gidheoni akatumidzwa zita rokuti Jerubhaari zvinoreva kuti, “Regai Bhaari arwisane naye” nokuti akapwanya atari yake. VaMidhiani vose nevaAmareki navanhu vokumabvazuva vakaunganidzana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matendhe avo mubani reJezireeri. Mweya waTenzi wakazadza Gidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaunganidzana vomutevera. Akatumira nhume munyika yose yokwaManase, ivowo vakaunganidzana vakamutevera. Akatumirawo nhume kune vedzinza rokwaAsheri neraZebhuruni neraNafutari vakakwira kuzosangana navo. Gidheoni akataura naMwari achiti, “Kana imi muchida kundishandisa kununura vaIsiraeri sokutaura kwamakaita, zvino ndavakuisa mhombwa yewuru paburiro apa, kana dova rikava pawuru chete, pamwe pose, pasi pachingova pakaoma ndopandichaziva kuti muri kuda kundishandisa kununura vaIsiraeri, sezvamakareva.” Zvakabva zvaita saizvozvo. Mangwana acho akamuka rungwanangwana, akasvina dova muwuru iya rikazadza ndiro yemvura. Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.” Mwari akabva aita saizvozvo usiku ihwohwo. Pawuru chete ndopakanga pakaoma, asi pamwe pose, pasi paine dova.

Verenga chikamu Vatongi 6