Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 16:1-14

Vatongi 16:1-14 BDSC

Rimwe zuva Samusoni akaenda kuGaza, kwaakandoona chifeve. Akapinda usiku kuti andovata nacho. Vanhu veGaza vakaudzwa kuti, “Samusoni ari pano!” Saka vakakomba nzvimbo iyo vakamuvandira usiku pasuo reguta. Havana kumbosuduruka panguva yousiku vachiti, “Tichamuuraya panguva yamambakwedza.” Asi Samusoni akavatamo kusvikira pakati pousiku chete. Ipapo akamuka akabata masasa amasuo eguta, pamwe chete namagwatidziro acho maviri akaavhomora, mazariro nezvose. Akaasimudza pamapfudzi ake akaatakura akaenda nawo pamusoro pechikomo chakatarisana neHebhuroni. Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira. Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chete.” Saka Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudzewoka chakavanzika chesimba rako guru uye kuti ungasungwa sei kuti ukundwe.” Samusoni akamupindura akati, “Kana munhu upi zvake akandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuomeswa, ndichava munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.” Ipapo vatongi vavaFiristia vakamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuomeswa, akamusunga nadzo. Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?” Iye akati, “Kana munhu akandisunga zvakasimba namabote matsva asati amboshandiswa, ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa, akadzirovera pasi nembambo. Akadanidzira kwaari zvakare akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akavhomora mbambo nomucheka wakarukwa.