Zvino Samusoni akazoenda kuGaza kwaakaona pfambi akatadza nayo. Vanhu vokuGaza vakaudzwa kuti “Samusoni akauya kuno.” Vakapoteredza paakanga ari, vakamugaririrawo pasuwo guru reguta. Vakaramba vakati mwiro usiku hwose, vachiti, “Ngatimumirirei kusvikira kwaedza, tozomuuraya.” Asi Samusoni akarara kusvikira pakati pousiku. Akazomuka pakati pousiku ipapo akadzura misuo miviri pamwechete namapango acho emumativi namazariro okuzaririsa, ndokuzvibipitira pamapfudzi oenda nazvo kugomo rakatarisana neHebhuroni.
Gare gare Samusoni akadanana nomumwe mukadzi ainzi Dheraira wokumanhika ekuSoreki. Madzishe avaFirisitia akauya kwaari akati, “Munyengetedze uone panobva simba rake nenzira dzatingamukurire nadzo kuti timusunge tichizomukunda. Mumwe nomumwe wedu achakupa mari yesirivha inoita chiuru chimwechete nezana.” Dheraira akati kuna Samusoni, “Ndiudzeiwo kunobva simba renyu guru, nokusungwa kwamungaitwe kuti mukurirwe nomunhu.” Samusoni akamupindura achiti, “Kana vakandisunga netsembwe itsva dzouta nomwe, tambo dzichiri nyoro, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Madzishe avaFirisitia vakamuunzira tsembwe dziya dzouta, tambo itsva nomwe dzichiri nyoro, iye akabva amusunga nadzo. Izvozvo muimba yomukati ainge ane varume vakanga vakahwandira Samusoni. Akazoti kwaari, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Asi Samusoni akadambura tsembwe dziya dzouta sokudambuka kunoita shinda yanzi vave nomoto. Saka kwaibva simba rake hakuna kuziikanwa.
Dheraira akati kuna Samusoni, “Uri kuzvionaka izvi! Wandiita zvako rema nokundiudza nhema. Ndiudzewo kuti ungasungwe sei.”
Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga netambo dzavo itsva dzisina kumboshandiswa, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.”
Saka Dheraira akatora tambo mbiri itsva, akamusunga nadzo ndokumuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Izvozvo muimba yomukati makanga muine varume vakanga vakamuhwandira. Asi akadambura tambo dziya mumaoko ake sokunge ari kudambura shinda.
Dheraira akati kuna Samusoni, “Kusvikira parizvino, wandiita zvako rema chairo nokundiudza nhema! Ndiudzewo kuti ungasungwe sei?” Iye akati kwaari, “Kana ukaruka mhotsi nomwe revhudzi romusoro wangu neshinda zvakasimbarara nechipeneti. Ipapo ndichashaya simba ndigoitawo zvakangoita vamwe vanhu.”
Samusoni akati avete, Dheraira akarukira mapfundo evhudzi rake manomwe pamwechete nejira riya akaroverera hoko, ndokuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia.” Akati vharavhazhu kumuka, ndiye hoko iya nechokurukisa pamwechete nejira racho dzipu.