Vatongi 16:1-14
Vatongi 16:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvino Samusoni akazoenda kuGaza kwaakaona pfambi akatadza nayo. Vanhu vokuGaza vakaudzwa kuti “Samusoni akauya kuno.” Vakapoteredza paakanga ari, vakamugaririrawo pasuwo guru reguta. Vakaramba vakati mwiro usiku hwose, vachiti, “Ngatimumirirei kusvikira kwaedza, tozomuuraya.” Asi Samusoni akarara kusvikira pakati pousiku. Akazomuka pakati pousiku ipapo akadzura misuo miviri pamwechete namapango acho emumativi namazariro okuzaririsa, ndokuzvibipitira pamapfudzi oenda nazvo kugomo rakatarisana neHebhuroni. Gare gare Samusoni akadanana nomumwe mukadzi ainzi Dheraira wokumanhika ekuSoreki. Madzishe avaFirisitia akauya kwaari akati, “Munyengetedze uone panobva simba rake nenzira dzatingamukurire nadzo kuti timusunge tichizomukunda. Mumwe nomumwe wedu achakupa mari yesirivha inoita chiuru chimwechete nezana.” Dheraira akati kuna Samusoni, “Ndiudzeiwo kunobva simba renyu guru, nokusungwa kwamungaitwe kuti mukurirwe nomunhu.” Samusoni akamupindura achiti, “Kana vakandisunga netsembwe itsva dzouta nomwe, tambo dzichiri nyoro, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Madzishe avaFirisitia vakamuunzira tsembwe dziya dzouta, tambo itsva nomwe dzichiri nyoro, iye akabva amusunga nadzo. Izvozvo muimba yomukati ainge ane varume vakanga vakahwandira Samusoni. Akazoti kwaari, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Asi Samusoni akadambura tsembwe dziya dzouta sokudambuka kunoita shinda yanzi vave nomoto. Saka kwaibva simba rake hakuna kuziikanwa. Dheraira akati kuna Samusoni, “Uri kuzvionaka izvi! Wandiita zvako rema nokundiudza nhema. Ndiudzewo kuti ungasungwe sei.” Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga netambo dzavo itsva dzisina kumboshandiswa, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Saka Dheraira akatora tambo mbiri itsva, akamusunga nadzo ndokumuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Izvozvo muimba yomukati makanga muine varume vakanga vakamuhwandira. Asi akadambura tambo dziya mumaoko ake sokunge ari kudambura shinda. Dheraira akati kuna Samusoni, “Kusvikira parizvino, wandiita zvako rema chairo nokundiudza nhema! Ndiudzewo kuti ungasungwe sei?” Iye akati kwaari, “Kana ukaruka mhotsi nomwe revhudzi romusoro wangu neshinda zvakasimbarara nechipeneti. Ipapo ndichashaya simba ndigoitawo zvakangoita vamwe vanhu.” Samusoni akati avete, Dheraira akarukira mapfundo evhudzi rake manomwe pamwechete nejira riya akaroverera hoko, ndokuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia.” Akati vharavhazhu kumuka, ndiye hoko iya nechokurukisa pamwechete nejira racho dzipu.
Vatongi 16:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Samusoni akaenda kuGaza, kwaakandoona chifeve. Akapinda usiku kuti andovata nacho. Vanhu veGaza vakaudzwa kuti, “Samusoni ari pano!” Saka vakakomba nzvimbo iyo vakamuvandira usiku pasuo reguta. Havana kumbosuduruka panguva yousiku vachiti, “Tichamuuraya panguva yamambakwedza.” Asi Samusoni akavatamo kusvikira pakati pousiku chete. Ipapo akamuka akabata masasa amasuo eguta, pamwe chete namagwatidziro acho maviri akaavhomora, mazariro nezvose. Akaasimudza pamapfudzi ake akaatakura akaenda nawo pamusoro pechikomo chakatarisana neHebhuroni. Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira. Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chete.” Saka Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudzewoka chakavanzika chesimba rako guru uye kuti ungasungwa sei kuti ukundwe.” Samusoni akamupindura akati, “Kana munhu upi zvake akandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuomeswa, ndichava munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.” Ipapo vatongi vavaFiristia vakamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuomeswa, akamusunga nadzo. Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?” Iye akati, “Kana munhu akandisunga zvakasimba namabote matsva asati amboshandiswa, ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa, akadzirovera pasi nembambo. Akadanidzira kwaari zvakare akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akavhomora mbambo nomucheka wakarukwa.
Vatongi 16:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Samusoni wakaenda Gaza, akaonapo mukadzi waiva chifeve akapinda kwaari. VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, “Samusoni wasvika pano.” Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, “Mangwana kana kwaedza tichamuuraya.” Samusoni akavata kusvikira pakati pousiku, akamuka pakati pousiku, akabata masasa esuo reguta, namatanda aro maviri, akaavhomora pamwechete nomuzariro waro, akaaisa pamafudzi ake, ndokuatakurira kugomo riri pamberi peHebhuroni. Zvino pashure akada mukadzi wakanga agere pamupata weSoreki, wainzi Dherira. Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, “Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.” Zvino Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, uye kuti ungasungwa neiko, umanikidzwe.” Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga namarunda matsva manomwe achigere kuomeswa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.” Ipapo madzishe avaFirisitia akamuvigira marunda matsva manomwe achigere kuomeswa, iye akamusunga nawo. Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Tarira, wandidadira, nokundirevera nhema; zvino chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana vakangondisunga havo namabote matsva, asina kumbobatisa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.” Ipapo Dherira akatora mabote matsva, akamusunga nawo, akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Ipapo akaadambura pamaoko ake soruchinda. Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa.” Iye akarisunga nembambo, akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo akapepuka pahope dzake, akavhomora mbambo yedanda pamwechete nomucheka wakarukwa.

Vatongi 16:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Samusoni akazoenda kuGaza kwaakaona pfambi akatadza nayo. Vanhu vokuGaza vakaudzwa kuti “Samusoni akauya kuno.” Vakapoteredza paakanga ari, vakamugaririrawo pasuwo guru reguta. Vakaramba vakati mwiro usiku hwose, vachiti, “Ngatimumirirei kusvikira kwaedza, tozomuuraya.” Asi Samusoni akarara kusvikira pakati pousiku. Akazomuka pakati pousiku ipapo akadzura misuo miviri pamwechete namapango acho emumativi namazariro okuzaririsa, ndokuzvibipitira pamapfudzi oenda nazvo kugomo rakatarisana neHebhuroni. Gare gare Samusoni akadanana nomumwe mukadzi ainzi Dheraira wokumanhika ekuSoreki. Madzishe avaFirisitia akauya kwaari akati, “Munyengetedze uone panobva simba rake nenzira dzatingamukurire nadzo kuti timusunge tichizomukunda. Mumwe nomumwe wedu achakupa mari yesirivha inoita chiuru chimwechete nezana.” Dheraira akati kuna Samusoni, “Ndiudzeiwo kunobva simba renyu guru, nokusungwa kwamungaitwe kuti mukurirwe nomunhu.” Samusoni akamupindura achiti, “Kana vakandisunga netsembwe itsva dzouta nomwe, tambo dzichiri nyoro, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Madzishe avaFirisitia vakamuunzira tsembwe dziya dzouta, tambo itsva nomwe dzichiri nyoro, iye akabva amusunga nadzo. Izvozvo muimba yomukati ainge ane varume vakanga vakahwandira Samusoni. Akazoti kwaari, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Asi Samusoni akadambura tsembwe dziya dzouta sokudambuka kunoita shinda yanzi vave nomoto. Saka kwaibva simba rake hakuna kuziikanwa. Dheraira akati kuna Samusoni, “Uri kuzvionaka izvi! Wandiita zvako rema nokundiudza nhema. Ndiudzewo kuti ungasungwe sei.” Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga netambo dzavo itsva dzisina kumboshandiswa, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Saka Dheraira akatora tambo mbiri itsva, akamusunga nadzo ndokumuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Izvozvo muimba yomukati makanga muine varume vakanga vakamuhwandira. Asi akadambura tambo dziya mumaoko ake sokunge ari kudambura shinda. Dheraira akati kuna Samusoni, “Kusvikira parizvino, wandiita zvako rema chairo nokundiudza nhema! Ndiudzewo kuti ungasungwe sei?” Iye akati kwaari, “Kana ukaruka mhotsi nomwe revhudzi romusoro wangu neshinda zvakasimbarara nechipeneti. Ipapo ndichashaya simba ndigoitawo zvakangoita vamwe vanhu.” Samusoni akati avete, Dheraira akarukira mapfundo evhudzi rake manomwe pamwechete nejira riya akaroverera hoko, ndokuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia.” Akati vharavhazhu kumuka, ndiye hoko iya nechokurukisa pamwechete nejira racho dzipu.
Vatongi 16:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Samsoni wakaenda Gaza, akaʋona’po mukadzi waiʋa cifeʋe akapinda kwaari. ƲaGaza ʋakaʋudzwa, ɀicinzi: Samsoni waȿika pano. Iʋo ʋakamukomba, ʋakamuʋandira ʋusiku bgose pasuʋo reguta, ʋakaramba ʋanyerere ʋusiku bgose, ʋaciti: Maŋgwana kana kwaedza ticamuʋuraya. Samsoni akaʋata kuȿikira pakati poʋusiku, akamuka pakati poʋusiku, akaɓata masasa esuʋo reguta, namatanda aro maʋiri, akaavomora pamŋe cete nomuzariro waro, akaaisa pamafudzi ake, ndokuatakurira kugomo riri pamberi peHebroni. Ɀino pashure akaɗa mukadzi wakaŋga agere pamupata weSoreki, wainzi Derira. Madzishe aʋaFiristia akakwira kumukadzi, akati kwaari: Munyeŋgetedze, uʋone kunobva simba rake guru, ʋuye kuti tiŋgamukunda sei, kuti timusuŋge timumanikidze; ipapo mumŋe nomumŋe weɗu ucakupa mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe. Ɀino Derira akati kunaSamsoni: Ndiʋudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, ʋuye kuti uŋgasuŋgwa neiko, umanikidzwe. Samsoni akati kwaari: Kana ʋakandisuŋga namarunda matȿa manomŋe acigere kuwomeswa, ndicashaiwa simba, ndikaʋa somumŋe munhu. Ipapo madzishe aʋaFiristia akamuʋigira marunda matȿa manomŋe acigere kuwomeswa, iye akamusuŋga nawo. Ɀino wakaŋga anaʋaʋandiri ʋakaŋga ʋakaʋandira muimba yomukati. Akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Iye akaɗambura marunda, seɀinoɗamburwa rwonzi rworucinda kana rwanzwa mŋoto. Naiɀoɀo simba rake harinakuzikanwa. Ipapo Derira akati kunaSamsoni: Tarira, wandiɗaɗira, nokundireʋera nhema; ɀino cindiʋudza hako kuti uŋgasuŋgwa nei. Akati kwaari: Kana ʋakaŋgondisuŋga haʋo namaɓote matȿa, asina‐kumboɓatisa, ndicashaiwa simba, ndikaʋa somumŋe munhu. Ipapo Derira akatora maɓote matȿa, akamusuŋga nawo, akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ʋaʋandiri ʋakaŋga ʋakaʋandira muimba yomukati. Ipapo akaaɗambura pamaʋoko ake sorucinda. Derira akati kunaSamsoni: Kuȿikira ɀino wakaŋga uciŋgondiɗaɗira, ucindireʋera nhema; cindiʋudza hako kuti uŋgasuŋgwa nei. Akati kwaari: Kana ukarukira mhotsi nomŋe dzevudzi romusoro waŋgu pamŋe cete nomuceka unorukwa. Iye akarisuŋga nembambo, akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo akapepuka pahope dzake, akavomora mbambo yeɗanda pamŋe cete nomuceka wakarukwa.