Zvino Samusoni wakaenda Gaza, akaonapo mukadzi waiva chifeve akapinda kwaari. VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, “Samusoni wasvika pano.” Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, “Mangwana kana kwaedza tichamuuraya.” Samusoni akavata kusvikira pakati pousiku, akamuka pakati pousiku, akabata masasa esuo reguta, namatanda aro maviri, akaavhomora pamwechete nomuzariro waro, akaaisa pamafudzi ake, ndokuatakurira kugomo riri pamberi peHebhuroni.
Zvino pashure akada mukadzi wakanga agere pamupata weSoreki, wainzi Dherira. Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, “Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.”
Zvino Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, uye kuti ungasungwa neiko, umanikidzwe.”
Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga namarunda matsva manomwe achigere kuomeswa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.”
Ipapo madzishe avaFirisitia akamuvigira marunda matsva manomwe achigere kuomeswa, iye akamusunga nawo. Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa.
Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Tarira, wandidadira, nokundirevera nhema; zvino chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana vakangondisunga havo namabote matsva, asina kumbobatisa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.”
Ipapo Dherira akatora mabote matsva, akamusunga nawo, akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Ipapo akaadambura pamaoko ake soruchinda. Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa.” Iye akarisunga nembambo, akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo akapepuka pahope dzake, akavhomora mbambo yedanda pamwechete nomucheka wakarukwa.