Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 26:1-4

Isaya 26:1-4 BDSC

Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha: Tine guta rakasimba; Mwari anoita kuti ruponeso ruve masvingo nenhare dzaro. Zarurai masuo kuti rudzi rwakarurama rupinde, rudzi runochengeta kutenda. Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi. Vimba naJehovha nokusingaperi, nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.