Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?”
Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”
Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?”
Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.”
Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.”
Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi,
“Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose,
kupfuura mhuka dzose dzesango!
Uchafamba nedumbu rako
uye uchadya guruva
mazuva ose oupenyu hwako.
Uye ndichaisa ruvengo
pakati pako nomukadzi,
uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi;
achapwanya musoro wako,
uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
Kumukadzi akati,
“Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana;
uchabereka vana mukurwadziwa.
Kuda kwako kuchava kumurume wako,
uye achava nesimba pamusoro pako.”
Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’
“Ivhu ratukwa nokuda kwako;
mukushanda kunorwadza,
uchadya zvibereko zvaro
mazuva ose oupenyu hwako.
Richakuberekera minzwa norukato,
uye uchadya miriwo yomusango.
Neziya rechiso chako
uchadya zvokudya zvako
kusvikira wadzokera kuguruva,
sezvo wakatorwa kwariri;
nokuti uri guruva,
kuguruva uchadzokera.”
Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.