Genesisi 3:9-20
Genesisi 3:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?” Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.” Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?” Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.” Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.” Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.” Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.” Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’ “Ivhu ratukwa nokuda kwako; mukushanda kunorwadza, uchadya zvibereko zvaro mazuva ose oupenyu hwako. Richakuberekera minzwa norukato, uye uchadya miriwo yomusango. Neziya rechiso chako uchadya zvokudya zvako kusvikira wadzokera kuguruva, sezvo wakatorwa kwariri; nokuti uri guruva, kuguruva uchadzokera.” Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.
Genesisi 3:9-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, “Uripiko?” Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.” Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?” Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.” Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.” Kumunhu akati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, ‘Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; ichakuberekera minzwa norukato, iwe uchadya miriwo yomusango; uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’ ” Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.
Genesisi 3:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Mwari Tenzi akadaidza Adhamu achiti, “Uri kupiko?” Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.” Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?” Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.” Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.” Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi, wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva, upenyu hwako hwose. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.” Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.” Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose. Nyika ichamera minzwa norukato. Iwe uchadya zvokudya zvomusango. Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.” Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha nokuti ndivo amai vavanhu vose.
Genesisi 3:9-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari akaɗana munhu, akati kwaari: Uripiko? Iye akati: Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakaŋga ndisina‐kusimira; ndikaʋanda. Iye akati: Ndianiko wakakuʋudza kuti hauna‐kusimira — Wadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya? Munhu akati: Mukadzi wamakandipa kuti aʋe neni, ndiye wakandipa ɀomuti ndikadya. Jehova Mŋari akati kumukadzi: Cinyiko ico cawaita? Mukadzi akati: Nyoka yakandinyeŋgera, ndikadya. Jehova Mŋari akati kunyoka: Ɀawaita iɀoɀo, watukwa kupfuʋura ɀipfuwo ɀose, nokupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo; ucafamba neɗumbu rako, ucadya guruʋa mazuʋa ose oʋupenyu bgako. Ndicaisa ruʋeŋgo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rucapxanya musoro wako, newe ucapxanya citsitsinho carwo. Kumukadzi akati: Ndicawanza ɀikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; ucaɓereka ʋana ucirwadziwa; kuɗa kwako kucaʋa kumurume wako, iye ucaʋa ishe wako. Kumunhu akati: Ɀawakaterera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndiciti: Usaudya, ɀino nyika yatukwa nemhoȿa yako; ucadya ɀiɓereko ɀayo nokutambudzika mazuʋa ose oʋupenyu bgako; icakuɓerekera minzwa noʋutumbambeʋa; iwe ucadya miriʋo yomusaŋgo; ucadya ɀokudya ɀako neziya reciso cako kuȿikira ucidzokera kuvu; nokuti wakatorwa kwariri. Ɀauri guruʋa, ucadzokera ɀe kuguruʋa. Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Eva; nokuti ndiye mai ʋaʋapenyu ʋose.
Genesisi 3:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)