Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 17:1-8

Genesisi 17:1-8 BDSC

Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama. Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.” Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari, “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji. Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji. Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera. Nyika yose yeKenani, mauri mutorwa zvino, ndichaipa kwauri nokusingaperi kuti ive yako nezvizvarwa zvako zvinokutevera; uye ini ndichava Mwari wavo.”