Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 17:1-8

Mavambo 17:1-8 SCLB

Abhuramu paakanga ava namakore makumi mapfumbamwe, Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Ndini Aripagomo. Tevera gwara rangu uvewo munhu akarurama. Ndichaita chitenderano changu newe, ndichaitawo kuti uve nezvizvarwa zvakawanda kwazvo.” Abhuramu akati pasi gwadagwa akatyora uso, Mwari ndokuti, “Chitenderano changu newe ndechichi: uchava baba vendudzi zhinji zhinji dzavanhu. Zita rako harichanzi Abhuramu, asi rava kunzi Abhurahamu nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji dzavanhu. “Ndichakupa vana vakawanda, mauri muchabva ndudzi dzakawanda, uye muchabudawo madzimambo mazhinji. “Ndichaita chitenderano changu newe chichagara nokusingaperi chinosvikira kuvana vako pazvizvarwa zvavo zvose zvichauya chokuti ndichava Mwari wako nowavana vako vachauya. Ndichapa iwe navana vako vachauya nyika ino yauchiri kumboti apa garei tamei apa garei. Nyika yose yeKanani ichava yavana vako narini wose, ini ndichava Mwari wavo.”

Verenga chikamu Mavambo 17