Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, “Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama. Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo.” Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari akataura naye, akati, “Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba vendudzi zhinji-zhinji. Zita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji. Ndichakuberekesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri. “Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako Noavana vako vanokutevera. Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako.”
Verenga chikamu Genesi 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 17:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo