Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 1:18-24

VaGaratia 1:18-24 BDSC

Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho mununʼuna waShe. Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema. Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia. Ndakanga ndisingazivikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu. Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.” Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.