Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 1:18-24

Vagaratia 1:18-24 SCLB

Mushure memakore matatu ndakakwira kuJerusaremu kundoshanyira Kefasi ndikagara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vapositori kusiya Jemusi mukomanomunun'una naTenzi. NaMwari chaiye, zvandiri kukunyorerai handisi kunyepa. Ndakazoendawo kumatunhu eSiria neekuKirikia. Izvozvo, kuJudhea hapana aiziva uso hwangu mumasangano aKristu okuJudhea. Vaingonzwa zvichinzi uya aimbotitambudza avakuparidza chitendero chaaimboda kuparadza. Vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.

Verenga chikamu Vagaratia 1