VaGaratia 1:18-24
VaGaratia 1:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho mununʼuna waShe. Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema. Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia. Ndakanga ndisingazivikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu. Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.” Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
VaGaratia 1:18-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mushure memakore matatu ndakakwira kuJerusaremu kundoshanyira Kefasi ndikagara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vapositori kusiya Jemusi mukomanomunun'una naTenzi. NaMwari chaiye, zvandiri kukunyorerai handisi kunyepa. Ndakazoendawo kumatunhu eSiria neekuKirikia. Izvozvo, kuJudhea hapana aiziva uso hwangu mumasangano aKristu okuJudhea. Vaingonzwa zvichinzi uya aimbotitambudza avakuparidza chitendero chaaimboda kuparadza. Vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.

VaGaratia 1:18-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo, makore matatu akati apfuura, ndikakwira Jerusaremu kundoona Kefasi, ndikagara naye mazuva ane gumi namashanu. Asi handina kuona mumwe wavapostori, asi Jakobho bedzi, munun'una waIshe. Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari, handirevi nhema. Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia. Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nesangano reJudhea riri muna Kristu; asi vakanga vanzwa bedzi, kuti “Uya, waititambudza kare, zvino ava kuparidza kutenda kwaaiparadza kare;” vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
VaGaratia 1:18-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memakore matatu ndakakwira kuJerusaremu kundoshanyira Kefasi ndikagara naye kwamazuva gumi namashanu. Handina kuona vamwe vapositori kusiya Jemusi mukomanomunun'una naTenzi. NaMwari chaiye, zvandiri kukunyorerai handisi kunyepa. Ndakazoendawo kumatunhu eSiria neekuKirikia. Izvozvo, kuJudhea hapana aiziva uso hwangu mumasangano aKristu okuJudhea. Vaingonzwa zvichinzi uya aimbotitambudza avakuparidza chitendero chaaimboda kuparadza. Vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.
VaGaratia 1:18-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo, makore matatu akati apfuʋura, ndikakwira Jerusarema kundoʋona Kefasi, ndikagara naye mazuʋa anegumi namashanu. Asi handina‐kuʋona mumŋe waʋaapostora, asi Jakobo ɓedzi, munuŋuna waShe. Iɀi ɀandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMŋari handireʋi nhema. Ipapo ndakaȿika kunyika dzeSiria neKirikia. Asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi paciso nekereke dzeJudea dziri munaKristu; asi ʋakaŋga ʋanzwa ɓedzi, kuti uya, waititambudza kare, ɀino woparidza kutenda kwaaiparadza kare; ʋakarumbidza Mŋari mandiri.