Ipapo, makore matatu akati apfuʋura, ndikakwira Jerusarema kundoʋona Kefasi, ndikagara naye mazuʋa anegumi namashanu. Asi handina‐kuʋona mumŋe waʋaapostora, asi Jakobo ɓedzi, munuŋuna waShe. Iɀi ɀandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMŋari handireʋi nhema. Ipapo ndakaȿika kunyika dzeSiria neKirikia. Asi ndakaŋga ndisiŋgazikanwi paciso nekereke dzeJudea dziri munaKristu; asi ʋakaŋga ʋanzwa ɓedzi, kuti uya, waititambudza kare, ɀino woparidza kutenda kwaaiparadza kare; ʋakarumbidza Mŋari mandiri.
Verenga chikamu ƲaGaratia 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: ƲaGaratia 1:18-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo