Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu. Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo. Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu, nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.
Verenga chikamu VaEfeso 6
Terera ku VaEfeso 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 6:5-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo