VaEfeso 6:5-8
VaEfeso 6:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu. Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo. Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu, nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.
VaEfeso 6:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Imi varanda teererai vanatenzi venyu vapano pasi muchivaremekedza nokuvateerera zvakaperera sokunge muri kuzviitira Kristu kwete zvechipameso zvokufadza vanhu asi savaranda vaKristu muchiita zvinodiwa naMwari nomwoyo wose. Munofanira kuita basa renyu nechido sokunge muri kuriitira Tenzi kwete sokunge muri kuriitira vanhu. Zivai kuti munhu anoita zvakanaka achapiwa zvakanaka naTenzi kunyange ari muranda kana musununguki.

VaEfeso 6:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi varanda, teererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemwoyo yakarurama, muchizviita sokuna Kristu; musingabati basa kana muchionekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomwoyo wose; muchibata basa nomwoyo wakanaka, muchizviita sokuna Ishe, musingaitiri vanhu; muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, achapiwazve naIshe, kana akasungwa kana akasununguka.
VaEfeso 6:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi varanda teererai vanatenzi venyu vapano pasi muchivaremekedza nokuvateerera zvakaperera sokunge muri kuzviitira Kristu kwete zvechipameso zvokufadza vanhu asi savaranda vaKristu muchiita zvinodiwa naMwari nomwoyo wose. Munofanira kuita basa renyu nechido sokunge muri kuriitira Tenzi kwete sokunge muri kuriitira vanhu. Zivai kuti munhu anoita zvakanaka achapiwa zvakanaka naTenzi kunyange ari muranda kana musununguki.
VaEfeso 6:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi ʋaranda, tererai aʋo ʋari ʋatenzi ʋenyu panyama, nokutya nokuɗeɗera, nemŋoyo yakarurama, muciɀiita sokunaKristu; musiŋgaɓati kana muciʋonekwa ɓedzi, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi saʋaranda ʋaKristu, ʋanoita kuɗa kwaMŋari nomŋoyo wose; muciɓata nomŋoyo wakanaka, muciɀiita sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu; muciziʋa kuti cinhu cipi necipi cakanaka, cinoitwa nomunhu mumŋe nomumŋe, ucacipiwa ɀe naShe, kana akasuŋgwa kana akasunuŋguka.