Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaEfeso 6

6
1Imi ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu munaShe; nokuti ndiɀo ɀakarurama. 2Kudza ɓaɓa ʋako namai — ndiwo murairo wokutaŋga unecipikirwa — 3kuti uitirwe ɀakanaka, ugare ŋguʋa refu panyika. 4Nemi madziɓaɓa, regai kutsamŋisa ʋana ʋenyu; asi ʋarerei pakuraŋga nokuraira kwaShe.
5Imi ʋaranda, tererai aʋo ʋari ʋatenzi ʋenyu panyama, nokutya nokuɗeɗera, nemŋoyo yakarurama, muciɀiita sokunaKristu; 6musiŋgaɓati kana muciʋonekwa ɓedzi, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi saʋaranda ʋaKristu, ʋanoita kuɗa kwaMŋari nomŋoyo wose; 7muciɓata nomŋoyo wakanaka, muciɀiita sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu; 8muciziʋa kuti cinhu cipi necipi cakanaka, cinoitwa nomunhu mumŋe nomumŋe, ucacipiwa ɀe naShe, kana akasuŋgwa kana akasunuŋguka. 9Nemi madzishe, muʋaitire saiɀoɀo, murege kuʋatyisa; nokuti munoziʋa kuti Ishe waʋo nowenyu uri kuɗeŋga; haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu.
Nhumbi dzomukristu dzokurwa nadzo.
10Pakupedzisira iʋai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. 11Shoŋgai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, mugone kumira mucirwa namano aDiaborosi. 12Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. 13Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose. 14Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama, 15makasuŋga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvaŋgeri yorugare; 16pamsoro paiɀoɀi makatora nhoʋo huru yokutenda, yamuŋgagona kudzima nayo miseʋe yose yomŋoto yowakaipa. 17Torai ŋgowani yoruponeso, nomunondo woMŋeya, iro Shoko raMŋari; 18munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose, 19neni ʋo, kuti ndipiwe shoko kana ndicishamisa muromo waŋgu, kuti ndiɗudzire ndisiŋgatyi ɀakaʋanzika ɀeEvaŋgeri, 20yandiri nhume yayo yakasuŋgwa namatare; kuti ndiɀitaure ndisiŋgatyi, seɀandinofanira kutaura.
Mashoko okupedzisira.
21Ɀino kuti muziʋe ʋo ɀaŋgu, kuti ndakaɗiniko, Tikiko, hama inoɗikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, ucakuziʋisai ɀose; 22ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muziʋe ɀinhu ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu.
23Rugare ŋgaruʋe nehama, noruɗo pamŋe cete nokutenda, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu. 24Nyasha ŋgadziʋe naʋose ʋanoɗa Ishe weɗu, Jesu Kristu, noruɗo rusiŋgaʋori

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaEfeso 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda