Vaefeso 6
6
Vana navabereki
1Imi vana, teererai vabereki venyu muna Tenzi nokuti ndizvo zvakanaka. 2“Remekedza baba naamai vako.” Uyu ndiwo mutemo unotanga kutaura uine chitsidzo 3kuti zvikufambire zvakanaka uye kuti ugare nguva ndefu panyika.
4Imi vabereki musashatirise vana venyu asi vayarutsei mukuzvibata nechidzidziso chaTenzi.
Varanda navatenzi vavo
5Imi varanda teererai vanatenzi venyu vapano pasi muchivaremekedza nokuvateerera zvakaperera sokunge muri kuzviitira Kristu 6kwete zvechipameso zvokufadza vanhu asi savaranda vaKristu muchiita zvinodiwa naMwari nomwoyo wose. 7Munofanira kuita basa renyu nechido sokunge muri kuriitira Tenzi kwete sokunge muri kuriitira vanhu. 8Zivai kuti munhu anoita zvakanaka achapiwa zvakanaka naTenzi kunyange ari muranda kana musununguki. 9Imi vana tenzi itaiwo zvimwechetezvo kwavari. Musavatyisidzire. Zivai kuti Tenzi wavo ari kudenga ndiye Tenzi wenyuwo uye kuti iye haana rusaruro.
Hondo yezvemweya
10Pokupedzisira itosimbai muna Tenzi uye nokusimbarara kwesimba rake. 11Pfekai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumirisana namazano akaipa aDhiabhori 12nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu. 13Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira.
14Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama. 15Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare 16uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa. 17Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari. 18Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose. 19Ndikumbirireiwo ini kuti ndiwaniswe mashoko pandinenge ndave kuda kutaura kuti ndiparidze nechivindi chakavandika chiya chezveShoko Rakanaka 20randiri nhume yaro iri muusungwa kuti ndiriparidze ndakashinga sezvandinofanira kuita.
Mazwi okuonekana
21Zvino kuti imi muzivewo kuti ndakadii uye kuti ndiri kuitei, Tikikusi achakutaurirai zvose. Iye ihama yedu yapamwoyo uye mushandi wedu akatendeka muna Tenzi. 22Ndamutumira ikoko nechikonzero ichochi kuti muzive kuti takadii kuno uye kuti akusimbaradzei mwoyo.
23Hama Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu ngaakuwanisei rugare norudo nechitendero. 24Dai vose vanoda Tenzi Jesu Kristu norudo rusingaperi vangoitirwa nyasha.
Zvasarudzwa nguva ino
Vaefeso 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.