Imi varanda teererai vanatenzi venyu vapano pasi muchivaremekedza nokuvateerera zvakaperera sokunge muri kuzviitira Kristu kwete zvechipameso zvokufadza vanhu asi savaranda vaKristu muchiita zvinodiwa naMwari nomwoyo wose. Munofanira kuita basa renyu nechido sokunge muri kuriitira Tenzi kwete sokunge muri kuriitira vanhu. Zivai kuti munhu anoita zvakanaka achapiwa zvakanaka naTenzi kunyange ari muranda kana musununguki.
Verenga chikamu Vaefeso 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vaefeso 6:5-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo