Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 9:7-9

Muparidzi 9:7-9 BDSC

Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako. Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta. Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.