Muparidzi 9:7-9
Muparidzi 9:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako. Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta. Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.

Muparidzi 9:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomwoyo wakafara; nokuti Mwari atofadzwa namabasa ako. Nguo dzako dzigare dzakachena; nomusoro wako urege kushaiwa mafuta. Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nokuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.
Muparidzi 9:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Enda udye chokudya chako nomufaro unwe waini yako nemwoyo unofara nokuti Mwari anofadzwa nezviito zvako. Gara wakapfeka zvichena. Gara wakazora mafuta mumusoro. Gara uchifara nomukadzi wepamwoyo pako mazuva ako ose ohupenyu hwako husina maturo aakakupa pasi pedenga nokuti ndiwo mugove wako paupenyu uye pabasa rako raunoshingaira kuita pasi pedenga.
Muparidzi 9:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Enda ɀako, udye ɀokudya ɀako nomufaro, unwe waini yako nomŋoyo wakafara; nokuti Mŋari watofadzwa namaɓasa ako. Ŋguʋo dzako dzigare dzakacena; nomusoro wako urege kushaiwa mafuta. Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoɗa, mazuʋa ako ose asinamaturo, aakakupa pasi pezuʋa, mazuʋa ako ose asinamaturo; nokuti ndiwo mugoʋe wako paʋupenyu, ʋuye pakuɓata kwako kwaunoɓata pasi pezuʋa.
Muparidzi 9:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)